Bhuku: Imbwa yemunhu
Rakatisikiswa neBhabhu Books mugore ra2013
Munyori: Ignatius Tirivangani Mabasa
Vhenyenguro: naTinashe Muchuri
Kutenga/to buy: +263772278171
Sezvo zvichinzi murume haadonhi netsvimbo imwe, Ignatius Mabasa adzoka
netsvimbo yake yetatu kuzoruka tswanda yamazano kune vane nzeve dzinonzwa
dzichiturira pfungwa dzichichengeta.
Nekumwe kutaura zvinonzi potsi kana piri haarwirwi, asi tatu. Akapotswa
netsvimbo yekutanga yainzi Mapenzi neyepiri yainzi Ndafa Here,
neiyi yetatu inobuda nemumharidzo yake iyo yakaumba nganonyorwa inonzi, ‘Imbwa
yemunhu’ haangapotswi zvakare nedama rakanaka. Munyaya Imbwa Yemunhu
mune murume anonzi Musavhaya, kana kungoti Musa muchidimbu, uyo anoti ane
kusasimba pamberi pedoro nezvipondamwoyo izvo zvinosakisa kuti ade kuroora
mudzimai wemuridzi anonzi, Juli. Murume waJuli anonzi Richard anoita zvemadhiri
achisiya imba yake ichidhirika. Nyaya inotenderera zvakanyanya pavaviri ava
vanoti, Musa naJuli kunyange zvayo ichizopota ichipinda muhupenyu hwavamwewo
vanhu, vehukama, vekukereke pamwe neavo vaisanganikwa navo munzvimbo
dzokutandarira dzakaita sedzekumwira nedzimwewo dzakangadaro.
Imbwa Yemunhu,
ibhuku rinoburitsa pachena umhizha hwaMabasa hwekuda kuyanika pachena
matambudziko anowanikwa navanhu zuva nezuva mukuedza kuraramira nyika nezviri
mairi. Izvi zvinojekeswa pachena neapo Musa anobatsirwa namai vake pamwe
nemukoma wake kuroora Hazvi, asi iye asina rudo kana hanya naHazvi.
Anogozviitira kufadza hama dzake nenyika inomuseka. Richardwo anozviita apo
anoroora Juli kuti angova chishongo chepamba pake kwete mudzimai wake. Izvi
zvinoratidza kuti vanhu vanoramba vakabatirira pazvinhu zvinoodza mwoyo yavo
vachitya kuti vanhu vanozotii. Kukungura ndiyo hwaro hwebhuku raMabasa idzva
iri.
Chiiwo chinobuda mukukungura? Juli anokungura kuti dai akawana zvake
murume anenge Musa asi iye atova pamusha paRichard, Hazvi anokungura kuti dai
asina zvake kugara aziva baba vake, Richardwo anokungura kuti dai akagara asina
kubvuma kutengeserwa nhamo dzenyika achinyeperwa achinzi ndirwo rugare,
mudzimai wemutungamiri wenyika anokungura kuti dai murume wake akabvuma kupinza
vaRungu basa rekumuchengetedza ingadai asina kusangana naMusa kugehena, Simon
Chimbetu anokungura kuti kudai mazuva ayo aive panyika akawanawo mukana
wekuudza vanhu nezvekukosha kwaMwari, mukoma waMusa, Hamu anokungura kuti kudai
asina kumbobvira aroorera Musa, Hazvi, zvinova izvo zvakaita kuti azonyara Musa
atiza muchato. Chinombove chii chiri kuita kuti vanhu vose ava vakungure
kukungugra nokukungugra?
Imbwa Yemunhu ine
nyaya dzekukundikana, kushaya simba rekurwisa zvinorema kana zvimwe zvinhu
vanhu zvavakazvisarudzira voga. Musa ane nhamo nekurega doro. Ukamubvunza kuti
wakamanikidzwa here kunwa doro unonzwa achiti haana. Musi waatanga kurinwa
rakamuvavira asi haana kumborirega zvake. Akaramba achishingirira kusvika zvino
ava chikorwa chedoro, asisagoni kurisiya. Nhamo yekuzvitsvagira! Mune zvakare
rudo rwekunyepera, rudo rwechokwadi. Mune kurambana kabisira. Mune umbwa,
kusuwa, kuchema, kurwadziwa, huroyi, hudhakwa, hupfambi, uye nzara yehupenyu
huzere nemufaro.
Mabasa akagona kuruka rungano urwu kuti muverengi aone kufunga kunoita
munhu muhupenyu hwake. Kufunga kuya kusiri kwekunyepera asi kuya kwekuti
uchiverenga bhuku unosvika naMusa pane dzimwe nzvimbo dzaakasvika nokuti
wakambodzisvika, kana kuti uchiri kutotandarirako. Unochema naye nokuti
zvinomurwadza zvakambokurwadzawo. Unobva wafungawo nhamo inowanikwa navana
vanomanikidzwa kuroorwa navarume vavasingadi nokuti mumhuri mapinda nhamo.
Unoona nhamo inowanikwa navanasikana yekubatwa chibharo navabereki vavo.
Unowana nhamo inowira madzimai kana asina kuroorwa apo vanenge vongozvipotsera
kuti chero vangoitawo murume, kwete nokuti vanomuda asi kungoti vangovewo
nemunhu anonzi murume wavo nyika isavaseka. Zvose zvichiitwa mukuda kufadza
nyika, seapo Hazvi anodemba achiti dai Musa angobvuma hake kuti ave murume
wake. Zvakare unoona kushata kwenyaya yekubhinywa apo Hazvi anoshaya kuti
otaura kuti chii kana asangana naMusa semukomana nemusikana vanodanana. Kuti
tingati Hazvi aiona Musa sababa vake avo vakamubhinya?
Imbwa Yemunhu
rinofumura zviito zvehama dzepedyo zviya kana mumusha maita ngarara. Vanoisiya
yakadaro sekusiiwa kwakaita baba vaHazvi apo vainge vabhinya mai vake. Mai vake
vakatya rufu rwekutyisidzirwa izvo zvakaita kuti zvakare mwana wavo azosangana
nedambudziko seravo. Kudai mai vaHazvi vainge vadura bhinya iri ingadai neimwe
nguva Hazvi asina kuzosangana netsaona yaakasangana nayo, kukungura.
Chinonakidza mubhuku iri iro rinova renyaya yaMusa nokutsvaka kwake
Mwari, harina kuita sedzimwe mharidzo dzatinoti kana waiona woti, munyori
anopenga, sei achida kuti nditevere kereke yaanopinda? Iri bhuku rakanyorwa
nenzira yokuti wese munhu anotsvaka Mwari atsvake nokuwana Mwari ari mukereke
chero ipi zvayo yaanopinda. Juli aipinda Roma, asi Musa anomukurudzira kuti
awane Jesu Kristu ari mukereke yeRoma iyoyo. Iyewo hake Musa ainge awana Mwari
pacrusade yakaitwa nekereke yeAFM asi haasi kuti munhu wese amutevere
ikoko. Izvi zvinoita kuti bhuku iri rinakidze kune vose vanotsvaka humambo
kwekudenga muhondo yavo yekurwisana nemadhimoni akavamonera.
Muno buda zvakare hondo ine munhu apo anenge achirarama panyika. Hondo
nemweya yakaipa iyo inoburitswa samadhimoni kana vanhu vachienda kukereke
dzechiKristu asi zvichivawo mweya yetsvina kuchinamato chechivanhu. Izvinodura
pachena kuti hapana munhu ari murugare. Munhu wese panyika ari muhondo. Hondo
yekuda kusiiwa neizvo zviri kumumonera. Izvo zvacho zvinoita kuti mudhara
Bhobho acheme kana achinzwa rumbo runoti, ‘Shauri yako.’ Nokuda kwehondo
dzatinadzo muhupenyu uye kugona kurukwa kwakaitwa rungano urwu iri ibhuku
rinogona kuverengwa nemunhu wese zvake zvisinei kuti unoenda kukereke kana kuti
hauendi. Nhamo dziri mubhuku iri dzinobata munhu wese uye mibvunzo inobvunzwa
naMusa mibvunzo inobvunzwa nemunhu wese mupenyu kana yasvika nguva yekutaura
nezvemweya.
Uchibata bhuku iri unotambirwa nemufananidzo uri pabutiro wembwa
yakasuwa, ine kumeso kunenge kwemunhu. Imbwa ine chiso chinenge chemunhu?
Zvinoreva kuti kana munhu akachengeta imbwa pamba pake inogona kupedzesera yava
savatenzi vayo kana kuti munhu ndiye anopedzisira ava sembwa yake. Zvinogona
kuva sakiso Musa achizorota ari mukati meimbwa zhinji mubhawa kwaChikwanha,
agokwira mukombi inembwa, agoona mutambo wembwa, imbwa dzavaporofita
dzinorwerwera rute imbwa dzechikadzi, apo anozoti, ‘Humbwa nehumbwa pamusoro
pehumbwa.’
Chidobi chinoshandiswa naMabasa chekurota pamwe nehupenzi chinoita kuti
asazvisungirira pamanyorere nemafungiro ake. Chidobi chinomupa kodzero
dzekupinda munzvimbo dzinonzi pavi dzisingagonekwe kusvikwa neruzhinji rwavanhu
kana rusiri kurota kana kupenga. Nzvimbo dziya dzinonzi kumazivandadzoka
apoteyo manhenda akadzoka, asi iye anosvika achidzoka asina kana kavanga zvako.
Chidobi ichi chinoburitsa kunaka kwekurota uye kupenga. Hakuna anorambidzwa
kurota uye hapana anogona kuzvirambidza kurota ari pane dzimwe nzvimbo
dzaasingagoni kusvika masikati kwakachena. Kurota kunopa munyori kutambanuka
mundangariro dzake achinobata pavi. Ndizvowoka chakatendera Musa kunosvika
kugehena uyewo neuko anozopiwa mwoyo waMwari uzere nerudo nehunyoro, kanawo apo
ano batana maoko nemudzimai wemutungamiri wenyika vasina kupfeka. Kurota kana hupenzi
hazvina matyira. Kunokufananidzwa nehutungamiri hwegwara regutsaruzhinji, iya
inonzi dhemokirasi pachiRungu. Hakuna muganho. Kunopa munyori gonero yekutaura
twese twaanoda mukutsiura pamwe nekuyambira. Ndiroka basa remunyori.
Chimwe chinobuda murungano urwu kunyora nemutauro uyo asingaiti makwikwi
nawo, achishandisa kutaura kuriko mazuva ano, kwakaita sekuti, ‘ndeipi yako,’
nemamwe akadaro. Izvi zvinoita kuti uwone humhizha hwemunyori. Zvakare ruzivo
rwakashandiswa kusanganisira mashoko ana nyanduri, vaimbi nezvemubhaibheri
zvinobva zvabudisa pachena matauriro anoita vanhu vechiShona apo vanenge
vachitaurirana nyaya. Ndiyani angazorega kutevera rungano runopa kudyidzana
kwemunhu nenharaunda yake, tsika yake pamwe nehupenyu hwake hwezuva nezuva uhwo
anenge achiedza kusiyana nahwo kuti atwasuke? Kushandisa ruzivo runowanikwa
munharaunda yeZimbabwe senziyo dzavaimbi vakaita sanaJames Chimombe, Simon
Chimbetu, navamwe vakadaro uyewo mazita avamwe vanhu vanorarama muhupenyu hwedu
akaita sanaOliver Mutukudzi, Memory Chirere, nevamwe vakadaro, zvinokurudzira
kuparadzirwa kweruzivo rwevamuZimbabwe kupasi rose. Chinova chidovi chakanaka
kudyidzana nepfungwa dzavamwe mukuumba uvaranomwe.
Murungano umu Mabasa anotokonya pfungwa dzomuverengi kuti azvitarire
aone uye agozvibvunza kuti handina kufanana naMusa kana vamwe vatambi vari
mubhuku iri here? Handisi imbwa yemunhu here? Ndirikutandanisa mufaro here kana
kuti nhamo? Ndiri kutevera chokwadi chichandipa mufaro here kana kuti ndiri
kutevera kusuwa? Upenyu chii? Imbwa yakatsamwa here kana luti yakapfava asi
ichizotsenga matovo? Zvinongoda kuti munhu azviverengere ega agozvionera ega
kutapira kwerungano urwu.
Bhuku iri rinosimbaradzwa nemitsara iri apo Musa naSekuru veMabvuku
vanoona mumwe mupostori achiteremuka achisvetukasvetuka kubva mugomo
ndokusvikomira pavari achiti kuna Musa, ‘Muchinda ndine nyaya yako.’ Musa obva
ati, ‘Taurai henyu.’ Sekuru vanozoti asi newe wave kupenga here muzukuru?’Chiregai
ndizorore ndisati ndava imbwa yemunhu.
+ Tinashe Muchuri is a Zimbabwean
author, journalist and storyteller.