The selected Memory
Chirere poems
Selected from
Bhuku Risina Basa Nokuti Rakanyorwa Masikati
published 2014 by
Bhabhu Books, Harare.
Mashoko ekutanga
Sei mumabhuku ose
andinoverenga
Musinawo zita
rangu?
Kuti pakashayawo
akatondera zita rangu?
Ndokushayawo
akagona kuperetera zita rangu?
Kuti pane
asingazive nyaya yangu?
Ndinofanira
kunyora ndega zita rangu,
Ndichisima miti
Ndichitsikisa mabhuku
Ndichizvara vana!
Kurinyora
parisingaore, zita rangu.
Introduction
Why is my name not found
in any
of the books that I read?
So nobody recalls my name?
Nobody could spell my name?
So,
nobody knows my story?
I
must carve out my name
onto every
new plant
in every new books
and on
the body of every new baby.
Printing
my name where it cannot be erased.
(*Translated
by the author)
Bembera
Pamakambondishandisa
ndakati kudii?
Zvandave
kuzvishandira
moti kudii?
Moti hero rombe
riri kuita zvinhu
zvaro?
Declaration
During
my toil as your servant
did I
ever complain?
Now
that I am free
what will
you say?
Are
you going to say: there goes the fool
now doing
his own thing?
(*Translated
by the author)
Pikicha
Mune iyi, ndainge
ndichangozvarwa
ndakaradzikwa
mubhasikiti zvaJesu chaizvo.
Ivo vachitoitawo
saJosefa naMaria!
Mune iyi, takasimudza
mawoko tagohwesa bhora.
Tarisa kushama
kwatakaita kunge zvigatawa!
Mune iyo, mukuru
wechikoro ari kunyemwerera achindikorokotedza.
Ndainge ndawana
mubairo weChirungu chandaisataura kumba.
Mune iyi, ndainge
ndakakugukuchira tiri mupaki, Sekai.
Ndaisaziva kuti
rudo rwemukadzi rwunonaka nekuvava zvese.
Pane iri pakavha
yebhuku rangu rekutanga,
ndainge
ndakatarisa mberi ndichifunga kuti ndini Soyinka.
Ndaisaziva kuti
bhuku haripere kunyorwa.
Mune iyi ndakatarisa
mwana wangu wekutanga
ndichitya kuti
achararama here.
Asi nhasi ave
kukwira ega bhazi achienda mativi mana.
Mune iyo, vana
vandaiticha vakasimudza maoko
asi nhasi vazhinji
vavo vave kutonga nyika.
Ndinovaverenga
mupepa ndoseka zvangu.
Mune iyi,
ndakasunga tayi
ndiri pedyo chaizvo
negurukota rehurumende.
Vari kumusha
vanoti ndinodya namambo.
Apa, ndiri parufu
rwaFarai
ndakakotamisa hope
yangu pabhokisi rake
ndichiti, “Famba
zvakanaka Fatso, ndichatevera.”
Mune yanhasi,
ndiri pamunda wangu.
Ndini here uyu
akapfeka kabudura kemurimi
achiteerera zvake
kukura kwechibage?
Vasikana ava handichaziva
mazita avo.
Asi uyu mutsvuku
ndakamushaira mukana tiri pachikoro.
Kwaari ikoko Mwari
ngaandichengetere.
Mune iyo iri
pamusoro pesofa, mai mwana
tiri pamuchato
wedu tichitsvodana tatumwa namufundisi.
Uchazvigona here izvi
pazere vanhu?
Shamwari yaSarudzai
Shamwari yako
inondinyara, Saru.
Kana ndikamutarisa
anoringa pasi
asi ndikaringa
divi anobva anditarisa.
Shamwari yako
inoshereketa, Saru.
Patinomhoresana
anoramba akandibata ruoko
ndonzwa kupiswa
nemagetsi ake akawanda.
Shamwari yako ine
shungu, Saru.
Patinombundikirana
anozvambarara pachipfuva changu
ndonzwa kuremerwa
nemusoro wake.
Shamwari yako inoona,
Saru.
Kana ndikapfeka
zvakanaka anokutangira kuzviona.
Kana ndikadikitira
anokasika kubudisa hengechepfu.
Shamwari yako
inonzwa, Saru.
Ndikataura
zvinofadza anobva aseka kudarika iwe
achibuda tumisodzi
tuchena tunenge mvura.
Shamwari yako
haina guhwa, Saru.
Kana ndichitaura
newe anoringa divi
achimirira kuti
tipedzerane pachedu.
Shamwari yako
inoyemura, Saru.
Kana mandioneka
modigaira moenda
ndikangocheuka
ndinoona achicheukawo.
Shamwari yako
inondivhiringidza, Saru.
Anondivinga kuhope
achiti tiende kwatete vake
asi iwe hausati
wandiendesa kana kumukoma wako.
Shamwari yako
inokasika, Saru.
Ndakasangana naye
aine mukoma wake mukuru
vakanyemwerera
vachinditi, “Kaziwai, babamunini!”
Ndakatarisa pasi
ndokunyarara zvangu
nokuti
unondinzwisa tsitsi kwazvo, Saru.
Nyika yedu
Tinoda nyika ino
neupfumi hwayo hwose.
Kuti tiidye
zvishoma nezvishoma pauzima.
Tichiseva muto
wayo nemusuva wesadza.
Tichinyenyeredza
pane nyama nedomasi.
Kuti tizozvinhonga
pakupedzisira kwemutambo.
Tinoda nyika ino
neupfumi hwayo hwose.
Kuti tiicheke hafu
toisa mukabati.
Todya hafu yacho
izvozvi nhasi uno.
Imwe hafu toti ndeyemangwana.
Hafu yanhasi toizora
bhata zvese nedovi nejamhu.
Tozomira zvedu pavhuranda
tichiidya.
Tichionekwa nevana
vepaseri kuti tiri kudya.
Tinoda nyika ino
neupfumi hwayo hwose.
Kuti tigoimenya
tega seranjisi.
Tichikachidzwa neutsi
hwayo tichikosora.
Tichibudisa
tumisodzi tunokonzerwa nekunakirwa.
Tozoibvanzura
tichiisa mukanwa ichingotapira.
Muto uchiyerera
uchidzika nemagokora edu.
Tozounanzva futi
muto iwoyo nerurimi rwunogwagwadza.
Tinoda nyika ino
nerunako rwayo rwose.
Kuti tigoona zuva
rayo richibuda muchikomo.
Tichiritya utsvuku
hwaro hunoshamisa pamangwanani.
Tichiudzana zvedu
nhasi kuchapisa mwachewe.
Tigoona mwedzi uchigara
pamusoro pezviruvi zvemba.
Uchiita sekamwana
kagere mudumbu maamai vako.
Tinoda nyika ino
zvinototirwadza chaizvo.
Kunyanya kana
zviye tiri kure-kure nayo.
Tinotorota tiri
mumunda wechibage chakasvibirira
Tichitsvaga pane
magaka, ipwa nemabvembe.
Tichizotyora chibage
chinyoro tichiimba
Tichinochibika
mumabhodho anopfungarara pamoto.
Hwema hweZhizha
huchikwidza nemaraini.
Tinoitondera
nemisodzi chaiyo nyika ino.
Nokuti yakatida tisati
tatomboziva kuti tisu vanaani.
Tikaidawo tisati
taziva kuti chinonzi rudo chii.
Yakatipa mazita
anosekwa kwese kwatinoenda.
Vana Lovemore,
Rosewita, Doesmatter naEvernice.
Hatiseke nokuti
tinoziva zvaanoreva mukusareva kwawo.
Takatozoita zvokuchata
nayo nyika ino muhana dzedu.
Saka painominyuka
tinofashaidza mvura pamoto.
Kwave kuitova
zvinyoronyoro nejira mumvura inopfumbuka.
Painoyuwirawo nesu
tinonzwa hana kusimuka dzichibvondoka.
Tinoinzwisisa
nemutsa nyika ino.
Painodikitira
tinoipukuta nehengechepfu chena inenge gore.
Painochema semhuru
tinonzwa mukaka kusisa mumazamhu edu.
Nyika ino
ticharamba tichifa isu kuti iyo irarame zvayo.
Tichasiya tanyora
mazita edu pamapazi ayo.
Tichishandisa
mapanga, matemo, mbezo, reza namapadza.
Kuti vanopfuura nepano
taenda vagoziva kuti tainge tiri panowo.
Naivowo vafambe
zvinyoronyoro vasiye nyika ino chiri chidadiso.
Mukuru wekuchechi kwedu
Mukuru wekuchechi
kwedu
ave kuita sewachi
zvino
zvokuti achafira
mumaoko evanhu.
Mukuru wekuchechi
kwedu
anenge nguva
yechando
paanoenda
tichachema nemufaro
Mukuru wekuchechi
kwedu
Anenge zimukuyu
repanzira
nyora zita rako
pariri ufambe, uyende.
Mukuru wekuchechi
kwedu
anenge kapoto kasina
ridhi
Kanokwata
kusvikira kapwa
Mukuru wekuchechi
kwedu
anenge kakova
kasina bhiriji
Unotoyambuka
kaserera.
Mukuru wekuchechi
kwedu
anenge doro
repataundishipi
Munotobvunzana, “Nhasi
rakadii?” musati matenga.
Mukuru wekuchechi
kwedu
anenge redhiyo ine
bhatiri idzva
Munotokotsira
achingorira.
Aka katetembo hakana basa nokuti
kakanyorwa masikati:
Kakova kanonzi
rudo rwangu
Kanobva pano
kusvika pandinozofa apo-o!
Kana uchifudza
Kana uchifudza mombe;
unoramba zvaunoziva
ugobvuma zvausingazive
ugoziva wega zvaunoziva.
Kana uchifudza mbudzi;
unotadza kuziva kuti
uchiri kuenda here kana kudzoka,
Wotanga zvino kumhanyira kwauri
kubva!
Kana uchifudza hwai;
unotadza kuziva kuti ndiriinhi zviya,
pawakamboona zvauri kuona.
Kana uchifudza
vanhu;
uri kutsvaga chiri
kukutsvagawo
Kana wasvika
pachanga chiri,
Icho chinenge
chave pawambenge uri!
Rudo
Rudo rwandisina
kukupa:
kashiri kanodya
masefa kachicheuka.
Rudo rwandisina
kukupa:
ibenzi riri
kumhanyira kwariri kubva
saka harisvike
zvachose iwe!
Rudo rwandisina
kukupa:
rwunombogwamba
mandiri semafuta
rwuchizopepuka
chete kana ndakuona
rwosimudza musoro
senyoka yaona gonzo.
Ndinobva
ndarwupuruzira iwe-e-e-e
kuti rwurare
zvarwo sekatsi yakaguta
nokuti kana rwaona
iwe rwunogwagwadza
rwozvongonyoka
senyoka mumunda uchangorimwa.
A, ndiri
kudzidzira kudzikama pandinokuona
nokuti rudo
rwandisina kukupa:
imhodzi isina
kuwira pavhu kwaro kuti imere.
Rudo rwandisina
kuzokupa:
unorwuonawo here
mumeso edu kana tasangana?
Kana kuti
unongoti:
“Zvatakapotsa
hanga, todya zvedu makunguwo.”
Pamuviri paShamiso
Zvinonzi Shamiso ane
pamuviri pangu
nokuti tinonzwikwa
tichiseka zvedu tose
kuchipisa,
kuchitonhora kana kuchivhuvhuta
zvokuti vanhu vanosiya
poto dzichitsva pamoto
kana kusiya nhau
dzichiverengwa pawairesi
kana kusiya pombi
dzichirasa zvadzo mvura
vachingotarisa ini
naShami tichiseka zvedu.
Zvanzi tinoonekwa
tiri tose kwose-kwose zvako
paMugovera, paChishanu,
paChitatu kana paChina
vanhu vachitondera
vachirasika zvakarewo
kuti kave
kechingani vachiona ini naShamiso
kuye-keye-e zuva
riye-riye-e nepaye-paye-e!
Saka zvinonzi
pamuviri paShami pacho ndepangu chete
nokuti Shamiso
kana aneni zviya anoshamisa
zvokuti haaite
kunge kune imwe nguva nenzvimbo
iri nani muupenyu
hwose hwatinoziva kunze kwepandiri.
Kwanzi kana aneni anoseka
chikwe-e chaicho chamunoziva
iyo mitezo yake
yakaita rurasademo chairwo
kunge pasi pano
pasina minzwa, mafeso kana chaguduma.
Zvinonzi kana
aneni, Shami anoita seane hama yake chaiyo
asi vozoona kuti
hama nehama chaidzo-idzo dzatinoziva
hadzingakwizane
mapendekete dzichiswera dzose saizvozvi!
Zvinonzi ndepangu
chete pamuviri paShami, hakuna mumwe
nokuti handivhundutswe
nenzeve dzake dzave kunjenjemera
kana kusvipa-svipa
kwaave kungoita nekusarudza twokudya.
Zvinonzi ini pano
husiku chaihwo hwezhizha nokuti
handione kuti
dumbu raShami riri kungokura zuva nezuva.
Vanotaura vanoti
pamuviri paShamiso ndepangu
nokuti murume
nemukadzi havagone kungoshamwaridzana
zvikaperera chete
muhurukuro nekuseka nekunzwanana.
Zvanzi chiripo chete
chandinoda kubva kunaShamiso
chandinowana
nyore-nyore nokuti dzangu dzakatenderera
zvakare dzaShamiwo
dzinenge zinyekenyeke sedzangu.
Zvanzi vane nharo
ngavamirire chete pachapona Shami
vagoona kuti ini
naShami hataingoita zvekuseka chete.
Asika; ini naShamiso
tinozviziva zvose izvozvo
ndosaka
tichigaroseka zvedu sekunge kusina denga nepasi
tichitofara zvedu
sekusina mangwana kana gore rinouya.
Chipikiri
Chipikiri
chinorohwa nesando
musoro wega-wega
uyu.
Chichidzika
chichipinda chichibaya.
Chichirohwa musoro
wese uyu.
Chichiimba chichihuta chichichema.
Chichidzama chichitenderera chichidzika.
Chichirohwa
nesando musoro wese iwoyo.
Chichipfidza chichikumbira ruregerero.
Asi wesando
anongoda musoro iwoyo.
Musoro-musoro
musoro-musoro chete.
Achiunanga
achiurova achiukoma.
Achiimbirira
achitukirira achinyetera
Chipikiri
chichienda chichidzama.
Chichinoita basa
revamwe zvavo.
Chichisiya ngoma
inonaka ichingorira
chichiasiya
mabhebhi, maruva nemakeke…
Shoko Rekupedzisira
Mazwi evana vari
kutamba panze apo
ndiro simba redu
rasara:
dai kukaramba kuine zuva
dai kukaramba kuine mvura
dai kukaramba kuine mhepo
dai kukaramba kuine ivhu nembeu
Ndavanzwa ndikati:
Dai waro kwaramba kuine vana.
Mazwi emupepeti (Editor’s
note)
Kupihwa kwandakaitwa nhetembo dzino naMemory Chirere
kuti ndiverenge, rakave rombo rakanaka. Paakazodzoka zvakare kwandiri achiti
ndipepete pamwe chete nekuzodziburitsa sebhuku saizvozvi, kwakave kukudzwa
kukuru.
Chirere haachisiri chikomana chiya chandakanga
ndichidzidzira kunyora nhetembo pamwe nacho tiri vana vechikoro kuUniversity of
Zimbabwe kutanga kwema 1990. Iko zvino chitarisai muone! Atotumbuka
muchekechera. Kunyora kwake kwave nemuchochororo nezvimbi. Kwave kunyora
kwakatsiga kunge mabwe akagarana aunogona kufunga kuti achakuwira, asi iwe
usingazive kuti kana naChaminuka akaawana akadaro, akangoasiya akadaro.
Mazuva andakashamwaridzana naChirere pamakore edu
kuUniversity of Zimbabwe, takanga tichinyora nhetembo nehama dzinenge Chiedza
Musengezi naNhamo Mhiripiri, naRuzvidzo Mupfudza, naZvisinei Sandi, naEmmanuel
Sigauke, naThabisani Ndlovu, naJoyce Mutiti, naEresina Hwede nevamwe. Aive
mazuva ekunakirwa nemukaka wenhetembo, kufanana nemhuru inoyamwa. Takanga tine
pfungwa dzizere ngano, netsumo, nemadimikira, nezvirahwe pamwe chete nemabhuku
evanyori vakuru vataida zvikuru. Takanga tisati taziva kuti nesuwo rimwe zuva
tichazoitawo mabhuku edu asina basa kudai.
Kunyora kunobva kure. Tine mazuva atainyora nekuti
takanga tichinyenga vasikana vachitiramba. Shungu. Tine mazuva atakanga
tichinyora nekuti takanga tichisuwa hupenyu hwatakanga takura tiri mahuri
kuDande uko kwatinobva, kune makomo eMavhuradonha. Ndiwo mazuva ataiona kuti
nenhetembo dzedu dzakafanana nevasikana vacho vatainyenga. Kune nhetembo
dzaitiramba, dzimwe dzichititiza. Kune nhetembo dzatairota nedzimwe
dzaitishaisa hope. Asi nekufamba kwenguva, pane nhetembo dzatakazoroora,
dzikabvuma kuita vana nesu. Saka nhetembo dziri mubhuku rino, hupenyu
hwaChirere, imhuri yaChirere, rwendo rwake! Wanaiwo pamunokwana.
Pane kuruka tyava, nekuridza tyava zvekuti tsuro,
shiri zvese nevanhu zvinovhunduka kuti pane charira kunge pfuti, asi chisiri
pfuti zvacho. Pane kurova netyava, kunobvarura ganda, kuchitungidza moto
wemarwadzo mukati menyama musingagone kukwenyeka. Ndizvo zvakaita manyorero
aChirere izvozvo. Kuita Memory Chirere kunge mango mbishi yekuti ukadya
inokukora igokudzidzisa kuti uiremekedze.
Pane kunyora kune maonero anodarika kuona kwemaziso.
Kunyora kunoita kuti iwe muverengi unzwe ruzha rwekudonha kweumhutu chaiko.
Ndiko kunyora kwaChirere mubhuku rino. Kunyora kunouya nemazwi akasiyana-siyana
uye asingajairike. Kunyora kunoroya! Kunyora kunokutema nyora paganda
ukazivikanwa nevanhu vese kuti wabva kun’anga. Chirere haasi ega! Handizive
kuti vangani mukati make. Chirere mutinhimira.
Ndinofunga kuti; Zimbabwe haichawana mumwe nyanduri
wechiShona anonyora saChirere. Kunyora kunenge kudada, kunenge kutsvinya,
kunenge kutamba asi kwausingakoshiwe! Chirere ane chipo chekupaza, kupfudzunura,
kutsokodzera nekupisa hunhu hwechinhu chamagara muchiti ndicho nhetembo.
Nhetembo dzake dzinofamba nemakumbo dzichibva pamakadzirongedza, dzichienda
kunogara pamaifunga kuti hapagarwe kana kusvikwa nenhetembo.
Mubhuku rino hamuna nhetembo dzandingati idzi ndidzo
dzinotapira kudarika dzimwe. Nhetembo imwe neimwe mubhuku rino ine masimukiro
ayo, nemagariro ayo akasiyana nedzimwe. Bhuku iri rinenge muti wakarembera
nemichero yakaibva zvekuti unoshaya kuti ndotangira papi uye kana watanga
kudya, unenge usisade kurega kudya. Handikwanise kuti ndisarudze nhetembo imwe
chete kuti ndigoti iyi ndiyo yakabata bhuku. Uyewo, handina kuda kuti tiise
nhetembo idzi muzvikamu – kwete! Takangoita zarura dzibayane, nekuda kwekuti
zvekuronga nhetembo zvinonetsa kana uchishanda nenhetembo dzeshasha dzechimbo
dzinenge Chirere.
Iwe unogona kufunga kuti nhetembo yake iri kutaura
nezverudo, asi ukaramba uchiipindura mupfungwa dzako, ndipo pauchazoona kuti
kwete – inogona kunge iri kutotaura nezverufu kana nezvematongerwo emusha!
Zvakarewo, handibvume kuti kana nyanduri achikupai nhapitapi yemuchero
wenhetembo, akumenyerei, obva akutsengerai, imi mozongomedza chete. Kwete.
Zvibayei mega mungazoti mupepeti akaipa.
Kubudikidza nebhuku rino, Chirere avhura chitsauko
chitsva pamanyorerwo nemashandisirwo enhetembo muZimbabwe. Pano pari
kushandiswa mazwi mashomashoma akatetepa ayo aunogaroshandisawo iwe zvako
mazuva ose. Bhuku Risina Basa Mazwi ari pano akashandiswa zvisina mutsimba
zvekuti unogona kufunga kuti kunyora detembo kwakareruka sekunhonga mari
munzira. Madetembo mapfupi aya akanyorerwa kuti akubatsire kuzvibvunza kuti:
ndini ani, ndiri kuenda nekubva kupi, ndinodei panyika uye zvandinoita zviye
ndinozviitirei? Pfungwa huru yebhuku iri ndeyekuti; funga, funga, funga! Funga
usingamhanye, usingavhunduke. Kanawo izvi zvirizvo zvakasanganikwa nemumwe
mundangariro nemuhupenyu, iwe sanganawo nazvo asi muri mubhuku! Ndinovimba kuti
vana vedu muZimbabwe, kubva pafomu yechitatu zvichikwira, vachadzidza
nekutapirirwa nemudyandakasungwa uyu. Bhuku ndiro risina basa, asi nhetembo
dzirimo dzine basa! Dzakanyorwa masikati asi verengai zvenyu chero nguva.
+Ignatius T. Mabasa, Harare, 2014
Here is a link to a review of Bhuku Risina Basa: Diary of a 45 Year Old Poet - Zimbo Jam
A link to a second book review: Interfacing with Memory Chirere in verse – NewsDay Zimbabwe