Saturday, October 30, 2010

Kakuwe kedu kaye-e

(from left to right:Ignatius Mabasa, Memory Chirere and the late Stanley Ruzvidzo Mupfudza in the early 1990's)

Taseka kakuwe kedu kaye-e kane tunhopi;
Zvichangopera paya togadzikana,
Tanyarara, nyama dzendangariro dzodzoka,
Ndinotya karunyararo – karufu here?
Kandisingazivi kuti ndodii nako.

Kana zviya ndakukwidza chitima
Kana chogojona sebenzi
kana zviya ndaringa divi
Ndonanaira ndodzokera kwatambenge tiri tose
Ndinotya dima rezvichauya uri kure neni.

Kana zviya takuviga, pfuchepfuche,
Takukanda mukanwa mevhu mawakabva
Ndinotya njere dzinonditokonya, dzichiti:
“Zvinorevei kumbove tose, hochekocheko,
zvizobatsirei kana wondisiya ini ndichikuda?”

1 comment: