Tuesday, April 14, 2015

David Mungoshi returns to the source as Zimbabwe Independence day beckons!

Pic Tsvangirai Mukwazhi

Nhambwe Dzongosienda
   (NaDavid Mungoshi)
Muna Zvita mvura yanaya
taidya matufu nemashuku.
Kuzoti hute mugute mubani riya
raiva ‘jahwi,’ Changamire wangu.
Maroro kana aibva waizvinzwa mumhepo
Kungoti gare gare hedzo nzviro nenhunguru
Haiwa tsubvu hatitaure, tongomafura.
Nhasi uno changamire wangu
yangova nhorowondo.
Ndiani achaziva zhumwi kana n’ono?
Ndiani achiri kubvura nzungu mumunda
kana kukamira mukaka mudemhe redamba
achizoukodza pakarepo nemuto wematunduru?
Nhambwe dzongosienda, changamire wangu
Zvosvota semaonde kuona zvoita nyika
Mabasa aivava vokuuya ava!
Maitiro avo kuda kufumura zvinoera
Nhasi Mahomed Dada aripi
zvaakatsakatika mugomo tichazomuwana here?
Hamhenoka, zvichida tichasutswa nemasutso
 ati kudai kuswedera aya, idzo haya dzatiwo zii
Dai bere rikarutsa imvi tingazive zvakawira vatsakatiki.

2 comments:

  1. Apa Mukwazhi 'akazvigonegwa' akati Chenjerai Hove. Mpikicha uyu wakanaka chose. Ndabva ndafunga rekeni yangu yakarasika tichidya tsvoritsvoto takayeva ngururu dzaingodanhadanha pamawere. Apa vachirere makagonesa kusarudza kuti zvienderane.

    Ndotenda KwaChirere nekutipa dariro.

    ReplyDelete
  2. Waita hama nekutipa mutakunanzva uyu. Ndakagara nguva refu namukoma David Mungoshi muGweru. Chokwadi handina kumboziva kuti vainyora nechiShona. Chandaiziva kuti vaitaura isiNdebele. Ndatenda vaChirere.

    ReplyDelete