Sunday, February 28, 2010

Pasi Pengoma


Pasi pengoma
(NaMemory Chirere)

Nyangwe zvangu ndirini ndaida Lucy, ndini wokutanga kuti, “Remmie, wati waona here kasikana katsva kakauya munaNyathi?”

Takaita mazuva tichingodarika nemugwagwa tichiita setaive tisina hanya nezvaive pamba paanaLucy asi tichipakanda maziso. Iye Remmington akatomboti, “Biggie, haikona kutambisa nguva yangu. Seiko musikana wacho asingaoneke panze chero musi mumwechete?”

Takazoti tichibva kuChiwaridzo rimwe zuva ndipo pandakaona zvangu Lucy ari panze patsangadzi achicheka nzwara. Ndakangobaya Remmington negokora kuti azvionere zvandakanga ndaona. Remmington akangoti, “Vakomana! Saka ndiye?” Ndakagutsurira musoro ndichinyemwerera. Tadarika, Remmington akati, “Akanaka kunge mukati mendege.”

Ini ndikati, “Aiwa, watadza. Ita 'akanaka kunge zai riri pakati pezvingwa zviviri.'”

Remmington akati, “Kana kuti akanaka kunge nyenyedzi.”

Takaramba zvedu tichingodaro dakara Remmington ati, “Ini ndamuda zvangu, saka toita sei?”

Mapaona zvino? Kuti ndichizopikisa ndichiti ndini ndainge ndichida musikana ndakabva ndatadza. Ndakanyarara. Hamheno kuti ipapo ndakatyei. Ndakangokwanisa kuti, “Chimupfimba asati aonekwa nezvimwe zvimagora zvemuno.”

Ndaisaziva kuti ndainge ndatozvipa basa. Ndakabva ndanzi, “Ndiperekedze izvozvi.”

Takasvika Lucy achiri kucheka nzwara. Akaramba achicheka nzwara. Ndakati, “Mhoro Lucy. Ini ndini Biggie. Iyi ishamwari yangu inonzi Remmington.”

Lucy akasimudza musoro. Ipapo ndipo pandakaona kuti ndainge ndairasa. Kurega Remmington achitora musikana akadaro! Ndakasuduruka ndokuenda kuheji kuti zvisare zvichipedzerana. Asi ndisati ndabata kana shizha zvaro reheji kuti ndivarairwe ndakanzwa musikana oshevedzera, “Amai! Amai! Pano pane munhu ari kundinetsa!”

Ndakati cheu ndokuona Remmington achibuda pagedhi, achitiza. Vakomana!

Ndakadududza ndokusvika panaLucy ndokuti, “Nyarara mhani, munhu uyo ari kutokuda, ndikuudze.”

Asi ndakazobuda pagedhi ndichizvituka: Ndarasikirwa nemumwe mukana zvakare. Ko, ndadii ndasara ndichiti ‘ndini ndinokuda musikana’? Vakomana, ndiri kumboita sei? Ndiri benzi here ini?

Kana zano rokuti Remmington anyore tsamba yerudo kunaLucy rakabva kwandiri! Ndakatoinyora ini tsamaba ndichitaura twose twunotapira! Ndini. Remmington akabva atya kana kuenda nayo. Takasvika pabhini repaana Lucy, Remmington achibva atanga kugwagwadza.

Ndakatozoitora tsamba yacho ini pachangu ndokupinda pagedhi. Ndakawana painechembere yakabva yandigashira nemubvunzo, “Tokubatsira nei?”

Ndakatya asi ndakangogona kuti, “Ndingawanewo Lucy?”

Zvikanzi, “Pota kuseri. Ari kuwacha mbatya pasingi.”

Ndakatenderera nemba nokunopa Lucy tsamba. “Yabva kushamwari yangu iye. Anokuda zvokuti dhu.” Ndakabva ndafambisa ndokutenderera nemba ndokuenda. Ndipo pandakairasa ipapo! Ndakadii ndakaivhura ndocheka pakanzi Remmington, ndonyora kuti Biggie. Kana kuti Big-boy Chiseko? Dai ndirini mukomana vaLucy nhasi!

Kana pakasangana Remmington naLucy patower-light kekutanga manheru ndini ndakatoudza Remmington kuti sanganai patower-light.

Ko, vakazomboita nguva vasati vapengesana here?

Tsamba dzavo ndini ndaidzifambisa sepakutanga. Ndini ndaihwanda seri kwebhini ndichidongorera kuti ndione kuti Lucy aivepo here pamba pavo? Ndini ndaimira nechekure ndichicheuka kuti pasawane aiuya kuzovavhiringa vasingafungire patower-light.

Asi nhasi ndiri kuseri kweheji ndichiti ndione kana mai vaLucy vouya ndanzwa iye Lucy achiti kuna Remmington, “Ko idzo dzinohwanda kuseri kwebhini neheji dzine chiso chinenge pasi pengoma, ndedzepiko idzodzi?”

Remmington aseka ndokuti, “Chimwe chimupfanha changu!” Vabva vaseka vachiumburuka patsangadzi vachinombora jamhu ranga rabiwa mumba maamai vaLucy naLucy.

Ndabuda muheji mandanga ndiri ndichiridza tsamwa vachibva vatonyanya kuseka. Ini: "Hoo – nhai!"

1 comment:

  1. I"Hoo-nhai" zveshuwa iyi. Nyaya inopa ndangariro iyi.

    Now chitipayi version yeChirungu zvedu. Tirovereyi Ngugi style.

    ReplyDelete