Wednesday, January 6, 2010

Mira wega

Mira Wega
(naMemory Chirere)

Usandipe mhaka yokukuzvara:
Ndazvarwa; ndaitoti ndizvarewoka.
Ndoti ndizvare, ndoona ndazvara iwe!
Kuzvara kufamba murima, mwana.

Handina kukusarudza, mwana
Handina kukuveza nenhemo nembezo
Ndoti ndizvarewo, ndozvara iwe.
Uri chinhu chakaitika kwandiri
seZhizha, Matsutso neChirimo.

Simuka uende semauyiro ako,
Ridza mhere segurwe sepakutanga.
Tsvanzvadzirawo, utsvage nzira.
Kunga zvibhakera, kunga sepakutanga
urwe nerima nechiri murima.

Usandipe mhaka nokuti hapana mhaka
Ndoti ndizvarewo, ndozvara iwe.
Simuka utambewo mutambo wako.
Uri chinhu chakatambira mugwara rangu
Takangosangana murwendo rwapanyika.

Zamhu izamhu, sezamhu raizivei?
Ndokupa wosvetasveta, svavava.
Tsvaga rimwe zamhu ikoko kwandisiri.
Nyika zizamhu ramazamhu wani!
Mirawo wega, ndakakuzvara kare!

1 comment:

  1. This is amazing, ndadzidza zvakawanda chaizvo, ndinotenda pakunyora mururimi raamai.

    ReplyDelete