Friday, February 15, 2019

Shona anti-novel reviewed again...

Kunaka kweChibarabada kuri mukudhaka
Tinashe Muchuri. (2015). Chibarabada. Harare: Bhabhu Books, 200pages.
Edited by Ignatius Mabasa.
Zvandakapiwa Chibarabada naTinashe Muchuri musi watasangana paNational Gallery of Zimbabwe muHarare, handina kumbofunga zvokuti chingandidhaka kusvika pakukanganwa bhachi rangu pachiteshi chinokwirwa mabhazi ekuNorton.
Ini ndini ndakakanganisa, kuita rudo neChibarabada ndisati ndasvika kurabu kwandinogara. Chakanyanya kundikwezva moyo ibutiro racho raive nemifanikisoyezviso zviviri. Zviso zvine meso makuru nemeno ari pachena.
Ndaive nechidokwadokwa chokuda kuziva kuti zviso izvi ndezvanaani. Mushure mekuverenga rungano urwu, ndakazoziva kuti zviso izvi ndezvevanhu vandakambosangana navo vachikurukura nezveChibarabada.
Chibarabada chacho chimbori chii? Chibarabada ndiwe neni. Chibarabada iguta risina magetsi, chingwa nemvura yokunwa. Chibarabada mugwagwa uzere nemakomba. Chibarabada inyika yemapenzi.
Chibarabada inovhero rine manyorerwo akasiyana namamwe manovhero atajaira kuverenga. Pamwe pacho rwungano rwacho rwunoita kunge bepanhau riri kutaura zviri kuitika, pamwe pacho rwunoita kunge chikwangwani chinononngedzera vanhu kwachisingasviki, pamwe pacho rwunomboita kunge izwi ragodobori.
Shingi anotaura rwungano rwuno achisheedzera seanorova bembera, pamwe pacho anozevezera achisekera muhapwa, pamwe pacho anoungudza matama ake azere nemisodzi. Urwu rwungano rwunoyanika nyaya yokushungurudzwa kwadungamunhu, mhuri nenyika nekuda kwemakaro.
Shingi anokura achidya nokurasa. Hupenyu hwake hunotanga kushanduka musi unofa vabereki vake netsaona yemumugwagwa. Babamunini vake Merinyo nemukadzi wavo Eve vanomuonesa ndondo kusvika azonosarudza kugara kurabu reMosi. Ari ikoko anoona huipi nehutsinye hwemhuka dzinorarama muguta reMosi.
Muchuri anoshandisa chidavado chekuimba nziyo, nekutaura ngano mungano. Rwungano rwuno rwunoita seChibarabada, rwunotutuma furo rwuchiserera, rwotutuma furo rwuchigadzana, rwunotutuma zvakare rwuchiserera. Rwungano rwunoda kuverenga uchizororera. Ukaverenga kamwe kamwe unoshaya kwarwakananga. Rwunomboita kunge rwumbo rwejakwara, rwoita kunge tsamba yorudo, rwomboita kunge nduri dzenhorimbo.
Rungano rwuno harwudi kuverenga uri pako wega, rwunoda pane vanhu vazhinji pakaita sopamusangano kana mubhazi. Harwudi kuverengwa mumwoyo, rwunoda uchisheedzera semunhu asina hanya. Ukadaro harwukudhake seChibarabada.
+++naPhumulani Chipandambira, Norton, Zimbabwe, February, 2019.
to buy/order Chibarabada: +263782883203
 

No comments:

Post a Comment