Monday, July 3, 2023

Ignatius Mabasa writes intro to Shamhu YeZera Renyu


 Musumo

Shamhu Yezera Renyu raita kuti ndifunge kuti, mudetembi Memory Chirere anonetsa kuti umuwanire mupanda kana tasvika panyaya dzekunyora nhetembo.

Chirere munyori asvika panotyisa pakasiyana nepaaive mazuva aakanyora nhetembo dziri muna Tipeiwo Dariro, kana muna Bhuku Risina Basa. Munyori Chirere ari mubhuku Shamhu Yezera Renyu abva zera uye akwira manera asi kwete evaRozvi ekunoturunura mwedzi.

Uyu ave munyori anoziva kuti kuve munyori hachisi chipo chake semunyori, asi chipo chevanhu chinofanira kubuda maari chichinopinda muvanhu kuti munyori agove murapi anorapa vanorwara mumagariro. Kunyora kwaChirere nhetembo dzino kunenge kupakura kwamai vane vana vazhinji, vanopakura vachisara vasina, asi chinovapa kuguta kuziva kuti vana vavo vaguta, nyangwe ivo vaine nzara.

Nhetembo dziri mubhuku rino dzinotaura kuti Chirere ave kudivi revakuru vanoona zviitiko zvehupenyu hwazvino, asi vachiona kuti kwavakabva, makuriro avakaita nezvavakanzwa imhodzi dzakaputirwa muchipepa dzikapfekerwa muchengo chemba. Kubudikidza nenhetembo idzi, Chirere ari kuvhomora, oputunura chipepa chine mhodzi dzakare idzodzo, odzidyara muvhu renguva ino, odziyemura dzichimera, kukura nekubereka. Ari kukoka vaverengi kuti vadye naye nhopi yenguva dzaakanga ari kakomana kuNyombwe, kumakomo eMavhuradonha. Tinokura tiri mumisha yedu, asi makwenzi, miti, tsine, zvuru, nzizi nemakomo atakakwira zvinodzoka kuzotiyeuchidza kuti paye pawakadarika nemandiri, mweya wangu wakanamira pauri, uye zvaunofunga nekurangarira ndini newe.

Asi kana zvake Chirere ari nyanduri, nhetembo dzake dzinomutengesa kuti iye mutauri wengano nemunyori wenyaya pfupi. Manyorero aChirere haasi  emunhu anoda kuti vanhu vafunge kuti kunyora nhetembo ibasa rekuvhiya svosve kuti ugosara nedehwe racho kuti urirovere paruware nehoko, kwete! Chirere anonyora nhetembo dzake seanotamba, uyewo seanotambisa pfungwa dzevaverengi. Kashoma kuti unete kana kunzwa kuda kusiira nhetembo dzake panzira, nekuti kufanana nengano, muverengi anongoramba achibvunza kuti “Chii chakazoitika?”

Chirere anosetsa muverengi, asi achidzura shumba ndebvu, nekusvina mamota embwende. Anotamba nemazwi, asi achifukunura mazimbambaira eruzivo rwuri mururimi rweChiShona zvekuti unobva waona kuti chokwadi vanhu vanonyora vakapakurirwa nemugwaku kuti vave mhizha.

Maziso ake anoona zvinoonekwa neruzhinji, asi chipo chake chiri mukutora izvozvo zvamunoti zvemazuva ese, obva azvisvinyanga semusuva wesadza. Munomuona Memory Chirere achiseva musuva iwoyo mumarwadzo kana mibvunzo inenge minzwa michena yemuunga mosara makashama iye achitsenga.

Nhetembo dziri mubhuku rino dzinobata nguva, nzvimbo, maonero nematingindira akawanda. Chave kudiwa ibhuku rekupenengura zvinhu zvakawanda zvaanobata – maonero ake ehudiki, pfungwa dzake pamusoro perudo, kuseka kwake hupenzi huri matiri – kusvika mumaburitsiro aanoita mapere ari murima rehupenyu hwedu.

Ignatius Mabasa, Harare, 2023.

+order this book on Amazon: https://www.amazon.com/Shamhu-Yezera-Renyu-Memory-Chirere/dp/1914287118/ref=sr_1_2?crid=547U5IZCHOHM&keywords=Memory+Chirere&qid=1686870413&sprefix=memory+chirere,aps,179&sr=8-2

Get a copy of this book in Harare for $17usd. Contact Book Fantastic on +263779210403. They meet anyone in town (cbd) and offer delivery services anywhere in Harare and the country (for an extra fee)

3 comments:

  1. Osman Shato MbindiJuly 3, 2023 at 9:33 PM

    Udzamu hwechivhuranzira chebhuku raVaChirere hwakanyorwa apa ndehwemhando yepamusoro soro chaipo. Tinotenda VaMabasa!

    ReplyDelete
  2. Gina ma1 chaiwo! Kwete ekutyisa but emandorokwati. Kana waita vhuramusasa yakadai ndingarege sei kutenga nekuverenga nhetembo idzi dzaMemo

    ReplyDelete
  3. Uyu anogona uyu.

    ReplyDelete